1. Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga.
2. Pari zvino tinogomera, tichishuva kupfekedzwa muviri wedu wokudenga,
3. nokuti kana tichinge tapfekedzwa, hatizowanikwi takashama.