2 Vakorinde 10:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Nokuti vamwe vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makukutu uye dzine chisimba, asi iye pachake haatyisi uye kutaura kwake hakuna maturo.”

11. Vanhu vakadai vanofanira kuziva kuti zvatiri mumatsamba edu kana tisipo, ndizvo zvatichava pakuita kwedu kana tavapo.

12. Hatidi kuedza kuzvienzanisa kana kuzvifananidza navamwe vanozvirumbidza. Pavanozviera vachizvienzanisa naivo pachavo, havana kuchenjera.

13. Zvisinei, isu hatingazvirumbidzi kupfuura mwero wakafanira, asi tinogumisa mwero wokuzvirumbidza kwedu pabasa ratakapiwa naMwari, basa rinosvika kunyange kwamuri.

2 Vakorinde 10