2 Samueri 6:13-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Zvino avo vakanga vakatakura areka yaJehovha vaiti vakafamba nhambwe nhanhatu, vobayira nzombe nemhuru yakakodzwa.

14. Dhavhidhi, akapfeka efodhi yomucheka, akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose,

15. iye neimba yaIsraeri yose vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.

16. Areka yaJehovha payakanga yopinda muGuta raDhavhidhi, Mikari mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye paakaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumwoyo make.

17. Vakasvika neareka yaJehovha vakaigadzika panzvimbo yayo mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, uye Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.

18. Zvino akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha Wamasimba Ose.

19. Ipapo akazotorazve chingwa, keke ramadheti nekeke ramazambiringa akaomeswa akazvipa kuno mumwe nomumwe weungano yose yavaIsraeri, varume navakadzi. Uye vanhu vose vakaenda kudzimba dzavo.

2 Samueri 6