32. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
33. NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.
34. Anoita tsoka dzangu setsoka dzenondo;anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
35. Anodzidzisa maoko angu kurwa;maoko angu anowembura uta hwendarira.
36. Munondipa nhoo yenyu yokukunda,munokotamira pasi kuti mundikurise.
37. Munotambanudza nzira pasi pangu,kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.
38. “Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza;handina kudzoka kusvikira vaparadzwa.
39. Ndakavaparadza zvachose, uye havana kugona kumuka;vakawira pasi petsoka dzangu.
40. Makandishongedza nesimba rokurwa. makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.
41. Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa, uye ndakaparadza vavengi vangu.
42. Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa,kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura.