2 Samueri 2:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ipapo varume veJudha vakauya paHebhuroni vakazodzapo Dhavhidhi kuti ave mambo weimba yaJudha. Zvino Dhavhidhi paakanzwa kuti varume veJabhesi Gireadhi ndivo vakanga vaviga Sauro,

5. akatuma nhume kuvarume veJabheshi Gireadhi kuti dzinoti kwavari, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuti makaratidza tsitsi pana Sauro tenzi wenyu pakumuviga kwamakamuita.

6. Zvino Jehovha ngaachikuitirai tsitsi nokutendeka, uye neniwo ndichakuitirai zvimwe chetezvo nokuti imi makaita izvozvi.

7. Naizvozvo ivai nesimba nokutsunga, nokuti Sauro tenzi wenyu afa, uye imba yaJudha yandizodza kuti ndive mambo wavo.”

8. Zvichakadaro, Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, akanga atora IshiBhosheti mwanakomana waSauro, akandomuisa kuMahanaimu.

9. Akamugadza kuti ave mambo weGireadhi, Ashuri neJezireeri, uyewo pamusoro peEfuremu, Bhenjamini neIsraeri yose.

10. Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro akanga ava namakore makumi mana paakava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore maviri. Kunyange zvakadaro, imba yaJudha yakatevera Dhavhidhi.

11. Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni yaisvika makore manomwe nemwedzi mitanhatu.

2 Samueri 2