42. Varume vose veJudha vakapindura varume veIsraeri vachiti, “Takaita izvi nokuti mambo ihama yedu yapedyo. Seiko imi matsamwiswa nazvo? Tambodya here zvinhu zvamambo? Tambozvitorera kana chinhu chimwe chete here?”
43. Ipapo varume veIsraeri vakapindura varume veJudha vakati, “Tine migove gumi muna mambo; uye zvisiri izvozvo chete, Dhavhidhi ndowedu kukunda imi. Saka seiko imi muchitizvidza? Ko, hatizisu takatanga kutaura kuti mambo adzoke here?” Asi varume veJudha vakapindura nehasha kwazvo kupfuura varume veIsraeri.