2. Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose, hapana chakanga chakanyanya kumuomera kuti amutsanangurire.
3. Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni, nomuzinda waakanga avaka,
4. zvokudya zvaiva patafura yake, magariro amakurukota ake, varanda vake vari muzvipfeko zvavo, vadiri vezvokunwa vari muzvipfeko zvavo nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha akapera mweya.
5. Akati kuna Mambo, “Zvandakanzwa munyika yangu pamusoro pezvamakaita nouchenjeri hwenyu ndezvechokwadi.
6. Asi handina kutenda zvaitaurwa kusvikira ndauya kuzozvionera nameso angu. Chokwadi, handina kutongonzwa kunyange hafu yokukura kwouchenjeri hwenyu, mapfuura nokure zvandakanzwa.
7. Mufaro wakawanda sei unofanira kungova una vanhu venyu! Anofara sei machinda enyu anoramba amire pamberi penyu achinzwa uchenjeri hwenyu.