1. Basa rose rakaitwa naSoromoni patemberi yaJehovha rakati rapera, akauyisa zvinhu zvakanga zvakakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, zvesirivha negoridhe nemidziyo yose akazviisa mudzimba dzokuchengetera dzetemberi yaMwari.
2. Ipapo Soromoni akadana vakuru veIsraeri kuJerusarema, vose vakuru vamarudzi navakuru vemhuri dzeIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni Guta raDhavhidhi.
3. Uye varume vose veIsraeri vakauya pamwe chete kuna mambo panguva yomutambo mumwedzi wechinomwe.
4. Vakuru vose vaIsraeri pavakasvika, vaRevhi vakasimudza areka,
5. uye vakauyisa areka neTende Rokusangana nemidziyo inoyera yaivamo. Vaprista ava vaiva vaRevhi vakazvitakura vakakwira nazvo;
6. uye Mambo Soromoni neungano yose yaIsraeri yakanga yaungana paari vakanga vari pamberi peareka vachibayira makwai mazhinji kwazvo nemombe zhinji zvokuti zvaisagona kunyorwa kana kuverengeka.