2 Makoronike 32:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Hezekia paakaona kuti Senakeribhi akanga auya uye kuti aida kurwisa Jerusarema,

3. akabvunza machinda ake navatungamiri vehondo nezvekuvharwa kwemvura yaibva muzvitubu zvaiva kunze kweguta uye vakamubatsira.

4. Hondo huru kwazvo yakaungana, vakavhara zvitubu zvose norukova rwaiyerera ruchipfuura nomunyika iyi. Vakati, “Kumadzimambo eAsiria angauyirei achizowana mvura zhinji.”

2 Makoronike 32