3. Mumwedzi wokutanga wegore rokutanga kutonga kwake akazarura masuo etemberi akaagadziridza.
4. Akauyisa vaprista navaRevhi akavaunganidza muchivara chokudivi rokumabvazuva.
5. Uye akati, “Teererai kwandiri, vaRevhi! Zvinatsei zvino uye munatse temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Mubvise kusvibiswa kwose munzvimbo tsvene.
6. Madzibaba edu akanga asina kutendeka; vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari uye vakamusiya. Vakabvisa zviso zvavo panzvimbo inogara Jehovha, vakamufuratira.
7. Vakapfigawo mikova yebiravira uye vakadzima mwenje. Havana kupisira zvinonhuwira kana kupa zvipiriso zvinopiswa panzvimbo tsvene kuna Mwari waIsraeri.