1. Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Uzia akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.
2. Ndiye akazovakazve Erati akaridzorera kuJudha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake.
3. Uzia aiva namakore gumi namatanhatu paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Mai vake vainzi Jekonia uye vaibva kuJerusarema.
4. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvangoitwa nababa vake Amazia.
5. Akatsvaka Mwari pamazuva eZekaria, uyo aimurayira mukutya Mwari. Pose paaitsvaka Jehovha, Mwari akaita kuti abudirire.
6. Akandorwisa vaFiristia akaputsa masvingo eGati, Jabhine neAshidhodhi. Akavakazve maguta aiva pedyo neAshidhodhi nokumwewo pakati pavaFiristia.
7. Mwari akamubatsira mukurwisa vaFiristia navaArabhu vaigara muGuri Bhaari uye paakarwa navaMeuni.
8. VaAmoni vakavigira Uzia mitero, uye mbiri yake yakandosvika kumucheto kweIjipiti nokuti akanga asimba kwazvo.
9. Uzia akavaka shongwe muJerusarema paSuo Repakona, paSuo Rokumupata, napakudzoka kworusvingo, akadzisimbisa.
10. Akavakazve shongwe murenje uye akachera matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvakawanda mujinga mezvikomo nomumapani. Aiva navanhu vaishanda muminda yake nomuminda yemizambiringa mumakomo nomunyika yakaorera, nokuti aida ivhu kwazvo.