2 Makoronike 10:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Mambo akapindura nehasha. Achiramba zano raakanga apiwa navakuru,

14. akateerera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakakurovai neshamhu ini ndichakurovai nezvinyavada.”

15. Saka mambo haana kuteerera kuvanhu, nokuti kuitika kwezvinhu uku kwaibva kuna Mwari, kuti shoko rakanga rataurwa naJehovha kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuromo waAhija muShironi rizadziswe.

16. VaIsraeri vose pavakaona kuti mambo aramba kuvateerera, vakapindura mambo vachiti, “Ko, tine mugove upi muna Dhavhidhi, chikamu chipiko mumwanakomana waJese? Kumatende enyu, imi Israeri! Zvichengetere imba yako, iwe Dhavhidhi!” Saka vaIsraeri vose vakaenda kumisha yavo.

17. Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga.

2 Makoronike 10