2 Makoronike 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbisa kwazvo ushe hwake, nokuti Jehovha Mwari wake akanga anaye akamuita kuti ave mukuru kwazvo.

2. Ipapo Soromoni akataura kuIsraeri yose, kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana, kuvatongi nokuvatungamiri vose muIsraeri, vakuru vemhuri,

3. uye Soromoni neungano yose vakaenda kunzvimbo yakakwirira yeGibheoni, nokuti Tende Rokusangana raMwari rakanga ririko, iro rakanga ragadzirwa naMozisi muranda waMwari murenje.

4. Zvino Dhavhidhi akanga auyisa areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi kunzvimbo yaakanga aigadzirira nokuti akanga aidzikira tende muJerusarema.

2 Makoronike 1