3. Ipapo utore chinu ugodira mafuta pamusoro wake uchiti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndakuzodza kuti uve mambo weIsraeri.’ Ipapo ugozarura mukova utize; usanonoka!”
4. Naizvozvo jaya iri, muprofita, rakaenda kuRamoti Gireadhi.
5. Akati asvika, akawana vakuru vehondo vagere pamwe chete. Akati, “Ndine shoko renyu, imi mukuru.” Jehu akamubvunza akati, “Kuna ani pakati pedu?” Iye akapindura akati, “Kunemi imi, mutungamiri.”