1. Zvino Erisha akanga ati kumukadzi waakararamisira mwanakomana wake, “Enda kure iwe neimba yako unogara chero paunogona kugara, nokuti Jehovha akarayira nzara ichapedza makore manomwe panyika.”
2. Naizvozvo mukadzi akasimuka akaita sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari. Akaenda iye neveimba yake akandogara kwamakore manomwe kunyika yavaFiristia.
3. Makore manomwe akati akapera, akadzoka kunyika yavaFiristia akaenda kuna mambo akandokumbira kuti adzorerwe imba yake nomunda wake.
4. Zvino mambo akanga achitaurirana naGehazi, muranda womunhu waMwari, uye akanga ati kwaari, “Nditaurirewo pamusoro pezvinhu zvikuru zvose zvakaitwa naErisha.”