2 Madzimambo 24:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi—vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo.

15. Nebhukadhinezari akatora Jehoyakini akamuita nhapwa kuBhabhironi. Akatorawo mai vamambo, navakadzi vake, navabati vake navarume vaitungamirira nyika muJerusarema akavaendesa kuBhabhironi.

16. Mambo weBhabhironi akabudisawo hondo yose yavarume zviuru zvinomwe, vakasimba pakurwa, nechiuru chimwe chete chavarume voumhizha navapfuri vesimbi akavaendesa kuBhabhironi.

17. Akaita Matania babamunini vaJehoyakini, mambo panzvimbo yaJehoyakini uye akashandura zita rake akamutumidza kuti Zedhekia.

2 Madzimambo 24