2 Madzimambo 21:19-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore maviri. Zita ramai vake rainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi; akanga achibva kuJotibha.

20. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita Manase baba vake.

21. Akafamba munzira dzose dzababa vake; akanamata zvifananidzo zvakanga zvanamatwa nababa vake, akazvipfugamira.

22. Akafuratira Jehovha, Mwari wamadzibaba ake, haana kufamba munzira yaJehovha.

23. Vabati vaAmoni vakamumukira vakauraya mambo mumuzinda wake.

2 Madzimambo 21