2 Madzimambo 20:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mumazuva iwayo Hezekia akarwara zvokuda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzira imba yako, nokuti uchafa, hausi kuzorarama.”

2. Hezekia akatendeukira kumadziro uye akanyengetera kuna Jehovha akati,

3. “Haiwa Jehovha, rangarirai kuti ndakafamba sei pamberi penyu nokutendeka uye nomwoyo wose uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema zvikuru.

4. Isaya asati abva paruvanze rwapakati, shoko raJehovha rakauya kwaari richiti,

5. “Dzokera undoudza Hezekia, mutungamiri wavanhu vangu kuti, “Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichakuporesa. Nezuva retatu kubva zvino uchakwira kutemberi yaJehovha.

6. Ndichawedzera paupenyu hwako makore gumi namashanu. Uye ndichakurwira iwe neguta rino. Ndicharwira guta iri kubva muruoko rwamambo weAsiria nokuda kwangu uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.’ ”

2 Madzimambo 20