2 Madzimambo 19:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ko, mambo weHamati aripi, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefavhaimi, weHena kana neIvha?”

14. Hezekia akagamuchira tsamba kubva kunhume uye akaiverenga. Ipapo akaenda kutemberi yaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha.

15. Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, imi mugere pakati pamakerubhi, imi moga ndimi Mwari pamusoro poushe hwose hwapasi.

2 Madzimambo 19