2 Madzimambo 16:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Saka muprista Uria akavaka aritari maererano namavakirwo ose akanga atumwa naMambo Ahazia kubva kuDhamasiko, akaipedza Mambo Ahazia asati adzokako.

12. Mambo akati adzoka kubva kuDhamasiko akaona aritari akasvika pairi akapa zvipiriso pairi.

13. Akapa chipiriso chinopiswa, rechipiriso chezviyo, akadururapo chipiriso chake chokunwa uye akasasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana pamusoro pearitari.

2 Madzimambo 16