2 Madzimambo 15:19-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Ipapo Puri mambo weAsiria akarwisa nyika, uye Menahemi akamupa chiuru chamatarendaa esirivha, kuti awane rutsigiro agosimbisa umambo hwake.

20. Menahemi akatora mari iyi somutero kubva kuIsraeri. Murume wose aiva mupfumi aibvisa makumi mashanu amashekerib esirivha kuti apiwe kuna mambo weAsiria. Saka mambo weAsiria akadzokera uye akasagarazve munyika.

21. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

22. Menahemi akazorora namadzibaba ake. Uye Pekahia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

23. Mugore ramakumi mashanu raAhazia mambo weJudha, Pekahia mwanakomana waMenahemi akava mambo weIsraeri muSamaria, akatonga kwamakore maviri.

24. Pekahia akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite.

25. Mumwe wamakurukota ake, ainzi Peka mwanakomana waRemaria, akamumukira. Akatora varume makumi mashanu veGireadhi, akauraya Pekahia pamwe chete naArigobhi naArie, munhare yomuzinda wamambo weSamaria. Saka Peka akauraya Pekahia uye akamutevera paumambo.

2 Madzimambo 15