2 Madzimambo 14:15-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Zvino zvimwe zvokutonga kwaJehoashi, nezvaakaita uye kubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

16. Jehoashi akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri. Jerobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

17. Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akararama kwamakore gumi namashanu mushure mokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri.

18. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaAmazia, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

19. Vakaita rangano yakaipa pamusoro pake muJerusarema, iye akatizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi vakamuurayira ikoko.

20. Akadzoswa namabhiza vakamuviga muJerusarema pamwe chete namadzibaba ake, muGuta raDhavhidhi.

21. Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Azaria, akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.

22. Ndiye akavakazve Erati akaridzorera kuna Judha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake.

23. Mugore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri akava mambo muSamaria, akatonga kwamakore makumi mana negore rimwe.

24. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite.

25. Ndiye akadzikazve miganhu yeIsraeri kubva paRebho Hamati kusvika kuGungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsraeri, rakataurwa kubudikidza nomuranda wake Jona mwanakomana waAmutai, muprofita wokuGati Hefa.

2 Madzimambo 14