1 Vatesaronika 2:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Takanga tisingatsvaki kurumbidzwa kunobva kuvanhu, kwete kunobva kwamuri kana ani zvake.Savapostori vaKristu tingadai takava mutoro kwamuri,

7. asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, samai vanochengeta vana vavo vaduku.

8. Taikudai zvikuru zvokuti takafara kuti tigoverane nemi, kwete vhangeri raMwari bedzi, asi noupenyu hweduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.

1 Vatesaronika 2