1 Vakorinde 9:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Kunyange zvangu ndisiri mupostori kuna vamwe, zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri! Nokuti imi ndimi chisimbiso choupostori hwangu muna She.

3. Uku ndiko kuzvidavirira kwangu kuna avo vanondigarira matare.

4. Hatina kodzero yokuva nezvokudya nezvokunwa here?

5. Hatina kodzero yokufamba nomukadzi mutendi here sezvinoita vamwe vapostori navanun'una vaShe naKefasi?

6. Kana kuti ini ndoga naBhanabhasi ndisu tinofanira kushanda kuti tirarame?

1 Vakorinde 9