1 Vakorinde 9:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Zvino mubayiro wangu ndoweiko? Ndiwo uyu, kuti mukuparidza vhangeri ndizviite pasina muripo, uye ndisingashandisi kodzero dzangu mukuriparidza.

19. Kunyange zvangu ndakasununguka uye ndisiri muranda womunhu, ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.

20. KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomurayiro ndakava somunhu ari pasi pomurayiro (kunyange ini ndisiri pasi pomurayiro), kuti ndiwane vari pasi pomurayiro.

1 Vakorinde 9