38. Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.
39. Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe.
40. Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe.
41. Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.
42. Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa unoparara, unomutswa usisaparari;
43. unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba;
44. unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya.Kana kuno muviri wenyama, kune muviri womweyawo.
45. Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga Adhamu akazova munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira, mweya unopa upenyu.
46. Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya.
47. Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga.