1 Vakorinde 15:38-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

38. Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.

39. Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe.

40. Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe.

41. Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.

42. Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa unoparara, unomutswa usisaparari;

43. unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba;

44. unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya.Kana kuno muviri wenyama, kune muviri womweyawo.

45. Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga Adhamu akazova munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira, mweya unopa upenyu.

46. Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya.

47. Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga.

1 Vakorinde 15