1 Vakorinde 15:33-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Musanyengerwa: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”

34. Dzokai pandangariro dzenyu sezvamakafanira, uye murege kutadza; nokuti kuna vamwe vasingazivi Mwari, ndinotaura izvi kuti munyadziswe.

35. Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko vakafa vanomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita seiko?”

36. Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa.

1 Vakorinde 15