1 Vakorinde 12:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe.

8. Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete,

9. mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete,

10. mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi.

11. Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.

1 Vakorinde 12