1 Vakorinde 11:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Kana mukadzi asingafukidzi musoro wake, anofanira kugera bvudzi rake; asi kana zvichinyadzisa mukadzi kuti agerwe bvudzi rake, anofanira kufukidza musoro wake.

7. Murume haafaniri kufukidza musoro wake, sezvo ari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwomurume.

8. Nokuti murume haana kubva pamukadzi, asi mukadzi ndiye akabva pamurume;

9. uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi ndiye akasikirwa murume.

10. Nokuda kwechikonzero ichi, uye nokuda kwavatumwa, mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake.

11. Kunyange zvakadaro, muna She mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi.

12. Nokuti mukadzi sezvaakabva pamurume, saizvozvowo murume anozvarwa nomukadzi asi zvose zvinobva kuna Mwari.

13. Tongai imi pachenyu kuti: Zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro wake?

14. Ko, hamudzidziswi namasikirwo ezvinhu kuti kana murume ane bvudzi refu, anonyadziswa nazvo here,

15. asi kuti kana mukadzi ane bvudzi refu, ndiko kubwinya kwake? Nokuti bvudzi refu rakapiwa kwaari kuti rive chifukidzo.

1 Vakorinde 11