1 Vakorinde 10:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni.

21. Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni.

22. Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?

23. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.

24. Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.

1 Vakorinde 10