3. Ipa rukudzo rwakafanira kuchirikadzi dziri chirikadzi chaidzo.
4. Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari.
5. Chirikadzi iri chirikadzi chaiyo uye yakasara ichingova yoga inoisa tariro yayo kuna Mwari uye inogara ichinyengetera nokukumbira kuna Mwari usiku namasikati.
6. Asi chirikadzi inoraramira kuzvifadza yakafa ichiri mhenyu.
7. Rayirawo vanhu zvinhu izvi, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angapomerwa.
8. Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi.