1 Timoti 4:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga,

5. nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.

6. Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera.

7. Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari.

1 Timoti 4