1 Timoti 3:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Vanofanira kuchengetedza zvakadzikadzika zvokutenda nehana yakanaka.

10. Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni.

11. Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose.

12. Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka.

1 Timoti 3