1 Samueri 12:6-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ipapo Samueri akati kuvanhu, “Jehovha ndiye akasarudza Mozisi naAroni akabuditsa madzitateguru enyu kubva muIjipiti.

7. Naizvozvo zvino chimbomirai nditaure nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imi namadzibaba enyu.

8. “Mushure mokunge Jakobho aenda muIjipiti, vakachema kuna Jehovha kuti vabatsirwe, uye Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti vakavagarisa munzvimbo ino.

9. “Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo; naizvozvo akavatengesa kuna Sisera, mutungamiri wehondo yaHazori, uye nokumaoko avaFiristia namambo weMoabhu, uyo akavarwisa.

10. Vakachema zvikuru kuna Jehovha vachiti, ‘Takatadza; takasiya Jehovha tikashandira vanaBhaari navaAshitoreti. Asi iye zvino tinunurei kubva mumaoko avavengi vedu, tigokushumirai.’

11. Ipapo Jehovha akatuma Jerubhi Bhaari, Bharaki, Jefuta naSamueri, uye akakununurai kubva mumaoko avavengi venyu kumativi ose, mukagara zvakanaka.

12. “Asi pamakaona kuti Nahashi mambo wavaAmoni akanga achiuya kuzokurwisai, makati kwandiri, ‘Kwete, tinoda kuti tive namambo anotitonga,’ kunyange zvazvo Jehovha Mwari wenyu akanga ari mambo wenyu.

13. Zvino hoyu mambo wamasarudza, uyo wamakakumbira; tarirai, Jehovha agadza mambo pamusoro penyu.

14. Kana mukatya Jehovha uye mukamushandira nokumuteerera uye mukasamukira mirayiro yake, uye kana imi namambo anotonga pamusoro penyu mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvichava zvakanaka!

15. Asi kana mukasateerera Jehovha, uye kana mukamukira mirayiro yake, ruoko rwake rucharwa nemi, sokurwa kwarwakaita namadzibaba enyu.

16. “Naizvozvo zvino, rambai mumire muone chinhu chikuru ichi chava kuda kuitwa naJehovha pamberi penyu!

1 Samueri 12