1 Makoronike 8:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Benjamini aiva baba vaBhera dangwe rake, Ashibheri mwanakomana wechipiri, Ahara wechitatu,

2. Noha wechina naRafa wechishanu.

3. Vanakomana vaBhera vaiva: Adha, Gera, Abhihudhi,

4. Abhishua, Naamani Ahoa,

5. Gera, Shefufani naHurami.

6. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati:

7. Naamani, Ahifa naGera, uyo akavadzinga uya aiva baba vaUza naArihudhi.

8. Vanakomana vakaberekerwa Shaharaimi muMoabhu mushure mokunge arambana navakadzi vake Hushini naBhaara.

9. Nomukadzi wake Hodheshi akabereka Johabhi, Zibhia, Mesha Marikami,

1 Makoronike 8