70. Uye kubva kurudzi rwehafu rwaManase vaIsraeri vakapawo Aneri neBhireamu pamwe chete namafuro awo kuvaKohati vakanga vasara.
71. VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera: Kubva kuimba yorudzi rwehafu rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo:
72. kubva kurudzi rwaIsakari vakagamuchira Kedheshi neDhabherati,
73. Ramoti, neAnemi, pamwe chete namafuro awo;
74. kubva kurudzi rwaAsheri vakagamuchira Mashari, neAbhidhoni,
75. Hukoki neRehobhi pamwe chete namafuro awo;
76. uye kubva kurudzi rwaNafutari vakagamuchira Kedheshi muGarirea, neHamoni neKirataimi pamwe chete namafuro awo.