9. Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanun'una vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.”
10. Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni uye rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira.
11. Kerubhi, munun'una waShuha aiva baba vaMehiri uyo aiva baba vaEshitoni.
12. Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka.
13. Vanakomana vaKenazi vaiva: Otinieri naSeraya. Vanakomana vaOtinieri vaiva: Hatati naMeonotai.
14. Meonotai aiva baba vaOfira. Seraya aiva baba vaJoabhu, baba vaGeharashimi. Vakapiwa zita iri nokuti vaiva mhizha.
15. Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva: Iru, Era naNaami. Mwanakomana waEra ainzi Kenazi.
16. Vanakomana vaJehareri vaiva: Zifi, Zifa, Tiria naAsareri.
17. Vanakomana vaEzira vaiva: Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni. Mumwe wavakadzi vaMeredhi akavaberekera Miriamu, Shamai naIshibha baba vaEshitemoa.