1 Makoronike 4:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami: Jezireeri, Ishima naIdhibashi. Hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi.

4. Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaHuri dangwe raEfurata baba vaBheterehema.

5. Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara.

6. Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaashashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara.

7. Vanakomana vaHera vaiva: Zareti, Zonani, Etinani

8. naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni.

1 Makoronike 4