27. Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanun'una vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha.
28. Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,
29. Bhiriha, Ezemi, Toradhi,
30. Bhehieri, Horima, Zikiragi,