1 Makoronike 4:25-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake.

26. Zvizvarwa zvaMishima zvaiva: Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake naShimei mwanakomana wake.

27. Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanun'una vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha.

28. Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,

29. Bhiriha, Ezemi, Toradhi,

1 Makoronike 4