12. Amazia mwanakomana wake, Azaria mwanakomana wake, Jotamu mwanakomana wake,
13. Ahazi mwanakomana wake, Hezekia mwanakomana wake, Manase mwanakomana wake,
14. Amani mwanakomana wake Josia mwanakomana wake.
15. Vanakomana vaJosia vaiva: Johanani dangwe, Jehoyakimi wechipiri, Zedhekia wechitatu naSharumi wechina.
16. Vakatevera Jehoyakimi vaiva: Jehoyakini mwanakomana wake naZedhekia.
17. Zvizvarwa zvaJehoyakini mutapwa zvaiva: Shearitieri mwanakomana wake,
18. Marikirami, Pedhaya, Shenazari, Jekamia, Hoshama naNedhabhia.
19. Vanakomana vaPedhaya vaiva: Zerubhabheri naShimei. Vanakomana vaZerubhabheri vaiva: Meshurami naHanania. Sheromiti aiva hanzvadzi yavo.
20. Kwaivawo navamwe vashanu vaiti: Hashubha, Oheri, Bherekia, Hasadhia naJushabhi-Hesedhi.
21. Zvizvarwa zvaHanania zvaiva: Peratia naJeshaya, navanakomana vaRefaya, vaArinani vaObhadhia navaShekania.
22. Zvizvarwa zvaShekania zvaiva: Shemaya navanakomana vake vaiti: Hatushi, Igari, Bharia, Nearia naShafati, vatanhatu vose pamwe chete.
23. Vanakomana vaNearia vaiva: Erioenai, Hizikia naAzirikamu, vatatu pamwe chete.
24. Vanakomana vaErioenai vaiva: Hodhavhia, Eriashibhi, Peraya, Akubhi, Johanani, Dheraya naAnani, vanomwe pamwe chete.