1 Makoronike 29:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni.

9. Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru.

10. Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti: “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.

11. Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha nokukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.

12. Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose.

13. Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.

14. “Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivananiko, kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.

1 Makoronike 29