16. Imi Jehovha, Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda kudai zvatapa kuti temberi yenyu ivakwe nokuda kweZita renyu Dzvene zvinobva muruoko rwenyu uye zvose ndezvenyu.
17. Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda.
18. Imi Jehovha, Mwari wamadzibaba edu Abhurahama, Isaka, naIsraeri, chengetedzai kudokwairira kwakadai mumwoyo yavanhu venyu nokusingaperi, uye muite kuti mwoyo yavo irambe yakazvipira kwamuri.
19. Uye ipai mwanakomana wangu Soromoni mwoyo wakaperera kuti achengete mirayiro yenyu, zvose zvamunoda nemitemo yenyu uye kuti aite zvose kuti avake muzinda wandagadzirira zvose izvi.”
20. Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Saka vose vakarumbidza Jehovha, Mwari wamadzibaba avo; vakakotamira pasi vakawira pasi nezviso pamberi paJehovha naMambo.