1 Makoronike 27:18-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. pamusoro paJudha: Erihu, munun'una waDhavhidhi; pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;

19. pamusoro paZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhia; pamusoro paNafutari: Jerimoti mwanakomana waAzirieri;

20. pamusoro pavaEfuremu: Hoshea mwanako-mana waAzazia; pamusoro porudzi rwehafu rwaManase: Joere mwanakomana waPedhaya;

21. pamusoro porudzi rwehafu rwaManase muGireadhi: Idho mwanakomana waZekaria; pamusoro paBenjamini: Jaashaeri mwanakomana waAbhineri;

22. pamusoro paDhani: Azareri mwanakomana waJerohami. Ava ndivo vaiva machinda pamusoro pamarudzi avaIsraeri.

23. Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga.

1 Makoronike 27