18. pamusoro paJudha: Erihu, munun'una waDhavhidhi; pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;
19. pamusoro paZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhia; pamusoro paNafutari: Jerimoti mwanakomana waAzirieri;
20. pamusoro pavaEfuremu: Hoshea mwanako-mana waAzazia; pamusoro porudzi rwehafu rwaManase: Joere mwanakomana waPedhaya;
21. pamusoro porudzi rwehafu rwaManase muGireadhi: Idho mwanakomana waZekaria; pamusoro paBenjamini: Jaashaeri mwanakomana waAbhineri;
22. pamusoro paDhani: Azareri mwanakomana waJerohami. Ava ndivo vaiva machinda pamusoro pamarudzi avaIsraeri.
23. Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga.