1 Makoronike 27:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Wegumi, mumwedzi wegumi, aiva Maharai muNetofati, muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

14. Wegumi nomumwe, mumwedzi wegumi nomumwe, aiva Benaya muPiratoni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

15. Wegumi navaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, aiva Heridhai muNetofati, aibva mumhuri yaOtinieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.

16. Machinda pamusoro pamarudzi aIsraeri aiti: pamusoro pavaRubheni: Eriezeri mwanakomana waZikiri; pamusoro pavaSimeoni: Shefatia mwanakomana waMaaka;

17. pamusoro paRaiti: Hashabhia mwanakomana waKemueri; pamusoro paAroni: Zadhoki;

18. pamusoro paJudha: Erihu, munun'una waDhavhidhi; pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;

1 Makoronike 27