1 Makoronike 23:30-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda nokurumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru

31. uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yokugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarairwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.

32. Nokudaro vaRevhi vakaita mabasa omuTende Rokusangana, romuNzvimbo Tsvene uye vari pasi pehama dzavo zvizvarwa zvaAroni, mubasa roushumiri mutemberi yaJehovha.

1 Makoronike 23