1 Makoronike 2:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera. Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete.

5. Vanakomana vaPerezi vaiva: Hezironi naHamuri.

6. Vanakomana vaZera vaiva: Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu.

7. Mwanakomana waKarimi aiva: Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa.

8. Mwanakomana waEtani ainzi Azaria.

1 Makoronike 2