4. Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera. Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete.
5. Vanakomana vaPerezi vaiva: Hezironi naHamuri.
6. Vanakomana vaZera vaiva: Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu.
7. Mwanakomana waKarimi aiva: Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa.
8. Mwanakomana waEtani ainzi Azaria.