4. Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera. Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete.
5. Vanakomana vaPerezi vaiva: Hezironi naHamuri.
6. Vanakomana vaZera vaiva: Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu.
7. Mwanakomana waKarimi aiva: Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa.
8. Mwanakomana waEtani ainzi Azaria.
9. Vanakomana vaHezironi vaiva: Jerameeri, Rami naKarebhu.
10. Rami aiva baba vaAminadhabhi, uye Aminadhabhi aiva baba vaNashoni mutungamiri wavanhu veJudha.
11. Nashoni aiva baba vaSarimoni, Sarimoni ari baba vaBhoazi,
12. Bhoazi aiva baba vaObhedhi uye Obhedhi aiva baba vaJese.
13. Jese aiva baba vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi, wechitatu ainzi Shimea,
14. wechina ainzi Netaneri, wechishanu ainzi Radhai,
15. wechitanhatu ainzi Ozemi uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi.