6. VaAmoni vakati vaziva kuti vakanga vava chinhu chinonhuwa mumhino dzaDhavhidhi, Hanuni navaAmoni vakatumira chiuru chamatarendaa esirivha kuti vandokumbira ngoro navachairi vadzo kubva kuAramu Naharaimu, Aramu Maaka nokuZobha.
7. Vakakumbira ngoro zviuru makumi matatu nezviviri navachairi vadzo, pamwe chete namambo weMaaka navarwi vake, uye akauya akadzika musasa pedyo neMedebha, ukuwo vaAmoni vachiungana kubva mumaguta avo, uye vakabuda kundorwa.
8. Paakanzwa izvi, Dhavhidhi akatuma Joabhu kuti abude nehondo yose yavarume vokurwa.
9. VaAmoni vakabudawo vakagadzirira kurwa uye vakamira vari mumitsetse yokurwa pasuo reguta ravo, uye madzimambo akanga auya akanga ari pachawo musango.