1 Makoronike 15:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Nokuti Mwari akanga abatsira vaRevhi avo vainge vatakura areka yesungano yaMwari, vakabayira Mwari hando nomwe namakondohwe manomwe.

27. Zvino Dhavhidhi akanga akapfeka nguo yomucheka wakanaka sezvakanga zvakaita vaimbi, naKenania akanga ari mutungamiri wokuimba kuvaimbi. Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi yomucheka.

28. Saizvozvo vaIsraeri vose vakakwira neareka yesungano yaJehovha vachidanidzira, nokuridza mimhanzi yenyanga dzamakondohwe nehwamanda namakandira, uye vachiridza mitengeranwa nembira.

29. Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye akaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba, akamushora mumwoyo make.

1 Makoronike 15